1 Samuel 9

Samueri anozodza Sauro

1Kwakanga kuno murume worudzi rwaBhenjamini, ainzi Kishi mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia muBhenjamini, murume wesimba noumhare. 2Aiva nomwanakomana ainzi Sauro, jaya raiyemurika rakanga risina akaenzana naro pakati pavaIsraeri, rakanga rakareba kupfuura vose.

3Zvino mbongoro dzaKishi, baba vaSauro, dzakanga dzarasika, Kishi akati kuna Sauro mwanakomana wake, “Tora mumwe wavaranda uende naye kundotsvaga mbongoro.” 4Saka akapfuura nomunyika yamakomo yeEfuremu, akapfuurawo nomunzvimbo yakapoteredza Sharisha, asi havana kudziwana. Vakapfuurira mberi nomudunhu reSharimu, asi mbongoro dzakanga dzisiko. Ipapo akapfuura nomunyika yaBhenjamini, asi havana kudziwana.

5Pavakasvika mudunhu reZufi, Sauro akati kumuranda waaiva naye, “Uya tidzokere, zvimwe baba vangu vangarega kufunga nezvembongoro vakatanga kufunganya pamusoro pedu.”

6Asi muranda akapindura achiti, “Tarirai, muguta rino mune munhu waMwari; anoremekedzwa zvikuru uye zvinhu zvose zvaanotaura zvinoitika. Handei ikoko iye zvino. Zvichida achatiudza nzira yokuenda nayo.”

7Sauro akati kumuranda, “Kana tikaenda, murume uyu tingandomupei? Zvokudya zvanga zviri mumasaga edu zvapera. Hatina chipo chokundopa munhu waMwari. Chii chatinacho?”

8Muranda akamupindura zvakare achiti, “Tarirai, ndine chikamu chimwe chete muzvina cheshekeri
magiramu angaita 3
resirivha. Ndichachipa kumunhu waMwari kuti agotiudza nzira yokuenda nayo.”
9Kare munyika yeIsraeri, kana munhu achienda kundobvunza Mwari, aiti, “Handei kumuoni,” nokuti muprofita wanhasi ainzi muoni kare.

10Sauro akati kumuranda wake, “Zvakanaka, uya tiende.” Saka vakasimuka vakananga kuguta kwaiva nomunhu waMwari.

11Pavaikwira gomo kuenda kuguta iri, vakasangana navasikana vaienda kundochera mvura, vakavabvunza vachiti, “Muoni aripo here?”

12Vakapindura vachiti, “Aripo. Ari mberi kwenyu. Kurumidzai achangosvika iye zvino muguta redu, nokuti vanhu vane chibayiro panzvimbo yakakwirira. 13Muchingopinda muguta muchamuwana asati aenda kunzvimbo yakakwirira kundodya. Vanhu havatangi kudya asati auya, nokuti anofanira kuropafadza chibayiro; mushure maizvozvo, avo vanenge vakakokwa vozodya. Endai iye zvino; munofanira kumuwana nguva idzo dzino.”

14Vakakwidza kuguta, uye pavakanga vava kupindamo vakaona Samueri achiuya nokwavakanga vari, ari munzira yake achikwidza kunzvimbo yakakwirira.

15Nezuro wacho Sauro asati asvika, Jehovha akanga aratidza izvi kuna Samueri: 16“Nenguva inenge ino mangwana ndichakutumira mumwe anobva kunyika yaBhenjamini. Muzodze kuti ave mambo pamusoro pavanhu vangu veIsraeri; achanunura vanhu vangu kubva muruoko rwavaFiristia. Ndatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwasvika kwandiri.”

17Samueri paakangoona Sauro, Jehovha akati kwaari, “Uyu ndiye murume wandakataura newe pamusoro pake; achatonga vanhu vangu.”

18Sauro akaenda kuna Samueri pasuo akamubvunza achiti, “Mungandiudzewo here kune imba yomuoni?”

19Samueri akapindura akati, “Ndini muoni. Chitungamira mberi kwangu kunzvimbo yakakwirira, nokuti nhasi unofanira kudya neni, mangwanani ndichakurega uchienda uye ndichakuudza zvose zviri mumwoyo mako. 20Kana zviri zvembongoro dzawakarasa mazuva matatu apfuura, usafunganya pamusoro padzo, dzakawanikwa. Zvino zvido zvose zveIsraeri zvatarira kuna ani kana kusiri kwauri iwe nemhuri yose yababa vako?”

21Sauro akapindura achiti, “Ko, handisi muBhenjamini, worudzi rudiki pane mamwe ose aIsraeri here, uye mhuri yangu haisi diki here pamhuri dzose dzaBhenjamini? Sei muchitaura chinhu chakadaro kwandiri?”

22Ipapo Samueri akatora Sauro nomuranda wake akapinda navo mumba yokudyira akavagadzika kumusoro kwaavo vakanga vakokwa, vaisvika makumi matatu. 23Samueri akati kumubiki, “Uya nechidimbu chenyama chandakakupa, chiya chandakuudza kuti uise parutivi.”

24Naizvozvo mubiki akatora gumbo nezvaiva pariri akazvigadzika pamberi paSauro. Samueri akati, “Hezvi zvawakanga wachengeterwa. Idya, nokuti zvanga zvakachengeterwa iwe panguva ino, kubvira panguva yandakati, ‘Ndakoka vanhu.’ ” Zvino Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.

25Mushure mokunge vadzika kubva kunzvimbo yakakwirira vakaenda kuguta, Samueri akataura naSauro ari pamusoro pedenga reimba yake. 26Vakamuka zuva richangobuda Samueri akadana Sauro ari padenga pemba akati, “Gadzirira ndigokurega uende hako.” Sauro akati agadzirira iye naSamueri vakabuda panze pamwe chete. 27Pavakanga vachienda kumucheto weguta, Samueri akati kuna Sauro, “Taurira muranda kuti atungamire mberi kwedu.” Muranda akaita saizvozvo. “Asi iwe chimbogara pano kwechinguva, kuti ndigokupa shoko rabva kuna Mwari.”

Copyright information for SnaBDSC